1. Aive madziva ava mazambuko.
2. Akuruma nzeve ndewako. 3. Ane benzi ndeane rake, kudzana unopururudza. 4. Ateya mariva murutsva haatyi kusviba magaro. 5. Chakafukidza dzimba matenga. 6. Chaitemura chava kuseva. 7. Chikuriri chine chimwe. 8. Chinobhururka chinomhara. 9. Chirere chigokurerawo. 10. Chisi hachiyeri musi wacharimwa. 11. Chisingaperi chinoshura. 12. Chitsva chiri murutsoka. 13. Chiri mumusakasaka chinozvinzwira. 14. Chara chimwe hachitswanyi inda. 15. Charova sei chando chakwidza hamba mumuti. 16. Charovedzera charovedzera, gudo rakakwira mawere kwasviba. 17. Chembere mukadzi hazvienzani nekurara mugota. 18. Chidamoyo hamba yakada makwati. 19. Chinono chinengwe, bere rakadya richifamba. 20. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara. 21. Chiri mumoyo chiri muninga. 22. Chiri pamuchena chiri pamutenure. 23. Chitaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana. 24. Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi. 25. Gudo guru peta muswe kuti vaduku vakutye. 26. Guyu kutsvuka kutsvuka zvaro asi mukati rine masvosve. 27. Igaroziva kuti mhanza yembudzi iri mumabvi. 28. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatovo. 29. Kakara kununa hudya kamwe. 30. Kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi. 31. Kandiro kanoenda kunobva kamwe. 32. Kuipa kuipa zvaro bveni, asi haridyi chakafa choga. 33. Kukurukura hunge wapotswa. 34. Kure kwegava ndiko kusina mutsubvu. 35. Kure kwemeso nzeve dzinodya. 36. Kuudza mwana hupedzisira. 37. Kuziva ambuya huudzwa. 38. Kuwanda kwakanaka, kwakaipira kupedza muto. 39. Kuwanda huuya. 40. Kuzeza chati kwati hunge uine katurike. 41. Mandikurumidze akazvara mandinonoke. 42. Manga chena yakaparira parere nhema. 43. Matakadya kare haanyaradzi mwana. 44. Mbeva zhinji hadzina mashe. 45. Mbudzi kuzvarira pavanhu kuda kutandirwa imbwa. 46. Mazvokuda mavanga enyora. 47. Mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu. 48. Mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye. 49. Murombo haarovi chinenguwo. 50. Muroyi royera kure vekwako vagokureverera. 51. Mwana wamambo muranda kumwe. 52. Mwana kuberekwa vaviri, mugota hamuchemi kacheche. 53. Mviromviro yemhanza mapfeka. 54. Mombe yekuronzerwa ndeyekukama wakarinde nzira. 55. Makadzi munaku kusaba anoroya. 56. Mukuru mukuru hanga haigari pfunde. 57. Mwana asingachemi anofira mumbereko. 58. Takabva neko kumhunga hakuna ipwa. 59. Nzenza mumvuri, asvika anovanda zuva. 60. Nzombe huru yakabva mukurerwa. 61. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo. 62. Pfavira ngoma, husiku hurefu. 63. Rine manyanga hariputirwe mushushunje. 64. Ramba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma. 65. Rega zvipore akabva mukutsva. 66. Regai dzive shiri, mazai haana muto. 67. Rudo ibofu 68. Rume rimwe harikombi churu. 69. Seka urema wafa. 70. Simbi inorohwa ichapisa. 71. Varume kutsva kwendebvu vanodzimurana. 72. Vasikana kudada kudada zvenyu, tichaonana magaro pakuyambuka. 73. Kukurumidza kumedza, kutsenga uchada. 74. Yadeuka yadeuka mvura yemuguchu haidyorerwi. 75. Yatsika dope yanwa. 76. Zano ndega akasiya jira mumasese. 77. Zizi harina nyanga. 78. Zviuya hazviwanani. 79. Zviro zviyedzwa chembere yekwaChivi yakabika mabwe ikanwa muto. 80. Zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi. 81. Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro. |
1. The once great are not great any more
2. The one who gives you advise is on your side 3. 4. 5. You do not know every household's secrets 6. Rags to riches 7. There is always someone who can beat the champion 8. Anything that flies will land one day 9. Look after others so they in turn will look after you 10.Consequence of bad moves are not apparent immediately 11. Anything that does not come to an end is unnatural 12. Travel opens eyes to new things 13. If you are there, you will hear it first hand 14. Individualism is not good in some circumstances 15. How bad are things for someone to achieve unnatural feats 16. |